07 March 2022
By Muchaneta Chimuka
Masangano anorwidza kodzero dzevana orumbidza Hurumende nematanho airi kutora ekuona kuti vana vawaniswa magwaro ekuzvarwa kuburikidza nenzira iri nyore, Sezvo zvikwata zvekwa Mudzviti zvichafamba kumativi mana enyika vachitoresa magwaro ekuzvarwa kwevana ,zvitupa nemamwe akasiyana siyana. Zvikuru panguva ino yekurwisa kupararira kechirwere che Covid-19. Sezvo mumbiro remutemo richikurudzira kuti mwana wese anofanirwa kuva nemagwaro ekuzvarwa.